Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 5:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa

2. uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuwira uye sechibayiro kuna Mwari.

3. Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.

4. Uye kufunga kusina maturo, nokutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.

5. Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari.

6. Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro paavo vasingateereri.

7. Naizvozvo musashamwaridzana navo.

8. Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza

9. (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi)

10. uye muzive zvinofadza Ishe.

11. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.

12. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri.

13. Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa,

14. nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi:“Muka, iwe muvati,muka kubva kuvakafa,Kristu achavhenekera pauri.”

15. Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera,

16. muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.

17. Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi.

Verenga chitsauko zvakakwana Vaefeso 5