Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 1:15-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Nokuda kwaizvozvi, pandakanzwa nezvokutenda kwenyu muna Ishe Jesu uye rudo rwenyu kuvatsvene vose,

16. handina kurega kuvonga nokuda kwenyu, ndichikurangarirai muminyengetero yangu.

17. Ndinoramba ndichikumbira kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya, akupei mweya wouchenjeri nokuzarurirwa, kuitira kuti mumuzive zviri nani.

18. Ndinonyengeterawo kuti meso emwoyo wenyu avhenekerwe kuitira kuti mugoziva pfuma yenhaka yake yokubwinya muvatsvene,

19. uye nesimba rake guru risingagoni kuenzaniswa kwatiri isu vanotenda. Iroro simba rakaita sokubata kwesimba rake guru,

20. raakaita muna Kristu paakamumutsa kubva kuvakafa akamugarisa kuruoko rwake rworudyi mudenga,

21. pamusoro poutongi hwose noukuru, nesimba noushe, uye namazita ose angagona kurehwa, kwete panyika yazvino chete asiwo pane ichauya.

22. Uye Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamugadza kuti ave musoro wezvinhu zvose nokuda kwekereke,

23. iwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadza zvinhu zvose munzira dzose.

Verenga chitsauko zvakakwana Vaefeso 1