Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari,Kuvatsvene vari muEfeso, vakatendeka muna Kristu Jesu:

2. Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri.

Maropafadzo oMweya muna Kristu

3. Kurumbidza ngakuve kuna Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu.

4. Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo

5. akatitemera kare kuti tiitwe savana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake,

6. kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe.

7. Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari

8. dzaakawanza pamusoro pedu nouchenjeri hwose uye nokunzwisisa kwose.

9. Uye akazivisa kwatiri chakavanzika chokuda kwake, maererano nomufaro wake wakanaka, waakafunga muna Kristu, kuti kuitwe pakukwana kwenguva,

10. auyise pamwe chete zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika pasi pomusoro mumwe, anova Kristu.

11. Iye watakasarudzwawo maari, tatemerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake,

12. kuitira kuti isu, vakatanga kuva netariro muna Kristu, tive rumbidzo yokubwinya kwake.

13. Nemi makaiswawo muna Kristu pamakanzwa shoko rechokwadi, iro vhangeri rokuponeswa kwenyu. Makati matenda, makaiswa rupau maari nechisimbiso, icho chivimbiso choMweya Mutsvene,

14. anova ndiye rubatso runotitsidzira nhaka yedu kusvikira rudzikinuro rwaavo vari vaMwari chaivo rwaratidzwa, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.

Kuvonga noKunyengetera

15. Nokuda kwaizvozvi, pandakanzwa nezvokutenda kwenyu muna Ishe Jesu uye rudo rwenyu kuvatsvene vose,

16. handina kurega kuvonga nokuda kwenyu, ndichikurangarirai muminyengetero yangu.

17. Ndinoramba ndichikumbira kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya, akupei mweya wouchenjeri nokuzarurirwa, kuitira kuti mumuzive zviri nani.

18. Ndinonyengeterawo kuti meso emwoyo wenyu avhenekerwe kuitira kuti mugoziva pfuma yenhaka yake yokubwinya muvatsvene,

19. uye nesimba rake guru risingagoni kuenzaniswa kwatiri isu vanotenda. Iroro simba rakaita sokubata kwesimba rake guru,

20. raakaita muna Kristu paakamumutsa kubva kuvakafa akamugarisa kuruoko rwake rworudyi mudenga,

21. pamusoro poutongi hwose noukuru, nesimba noushe, uye namazita ose angagona kurehwa, kwete panyika yazvino chete asiwo pane ichauya.

22. Uye Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamugadza kuti ave musoro wezvinhu zvose nokuda kwekereke,

23. iwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadza zvinhu zvose munzira dzose.