Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 1:11-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Iye watakasarudzwawo maari, tatemerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake,

12. kuitira kuti isu, vakatanga kuva netariro muna Kristu, tive rumbidzo yokubwinya kwake.

13. Nemi makaiswawo muna Kristu pamakanzwa shoko rechokwadi, iro vhangeri rokuponeswa kwenyu. Makati matenda, makaiswa rupau maari nechisimbiso, icho chivimbiso choMweya Mutsvene,

14. anova ndiye rubatso runotitsidzira nhaka yedu kusvikira rudzikinuro rwaavo vari vaMwari chaivo rwaratidzwa, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.

15. Nokuda kwaizvozvi, pandakanzwa nezvokutenda kwenyu muna Ishe Jesu uye rudo rwenyu kuvatsvene vose,

Verenga chitsauko zvakakwana Vaefeso 1