Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 1:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari,Kuvatsvene vari muEfeso, vakatendeka muna Kristu Jesu:

2. Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri.

3. Kurumbidza ngakuve kuna Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu.

4. Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo

5. akatitemera kare kuti tiitwe savana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake,

6. kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe.

7. Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari

Verenga chitsauko zvakakwana Vaefeso 1