Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 8:45-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Jesu akati, “Ndianiko andibata?”Vakati varamba kuzvibvuma vose, Petro akati, “Tenzi, vanhu vari kukumomoterai nokukutsimbirirai.”

46. Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata; ndinoziva nokuti simba rabuda mandiri.”

47. Ipapo mukadzi, akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera uye akasvikowira patsoka dzake. Akamuudza kuti sei akanga amubata pamberi pavanhu vose, uye kuti akanga apora sei pakarepo.

48. Ipapo iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare.”

49. Jesu achiri kutaura, mumwe aibva kumba kwaJairosi, mubati wesinagoge, akasvika akati, “Mwanasikana wenyu afa. Chiregai henyu kuramba muchinetsa mudzidzisi.”

50. Jesu akati anzwa izvi, akati kuna Jairosi, “Usatya; tenda chete, uye achaporeswa.”

51. Akati asvika kumba kwaJairosi, haana kutendera ani zvake kuti apinde naye kunze kwaPetro, Johani naJakobho, uye baba namai vomwana.

52. Panguva iyi, vanhu vose vainge vachiungudza uye vachimuchema. Jesu akati, “Nyararai kuchema. Haana kufa asi avete.”

53. Vakamuseka, nokuti vaiziva kuti akanga afa.

54. Asi akamubata noruoko akati, “Mwanangu, muka!”

55. Mweya wake wakadzokera maari, pakarepo akasimuka. Ipapo Jesu akavarayira kuti vamupe zvokudya.

56. Vabereki vake vakashamiswa, asi akavarayira kuti vasaudze munhu zvakanga zvaitika.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 8