Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 8:40-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. Zvino Jesu akati adzoka, akagamuchirwa navanhu vazhinji, nokuti vakanga vakamutarisira.

41. Ipapo murume ainzi Jairosi, mubati wesinagoge, akauya akawira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti auye kumba kwake

42. nokuti mwanasikana wake akanga achingova mumwe oga, musikana aiva namakore anenge gumi namaviri, akanga afa.Jesu akati achiendako, vanhu vazhinji vakange vachamutsikirira.

43. Uye paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri, asi kusina munhu aigona kumuporesa.

44. Akauya neshure kwaJesu akabata mupendero wenguo yake, pakarepo kubuda kweropa kukabva kwaguma.

45. Jesu akati, “Ndianiko andibata?”Vakati varamba kuzvibvuma vose, Petro akati, “Tenzi, vanhu vari kukumomoterai nokukutsimbirirai.”

46. Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata; ndinoziva nokuti simba rabuda mandiri.”

47. Ipapo mukadzi, akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera uye akasvikowira patsoka dzake. Akamuudza kuti sei akanga amubata pamberi pavanhu vose, uye kuti akanga apora sei pakarepo.

48. Ipapo iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare.”

49. Jesu achiri kutaura, mumwe aibva kumba kwaJairosi, mubati wesinagoge, akasvika akati, “Mwanasikana wenyu afa. Chiregai henyu kuramba muchinetsa mudzidzisi.”

50. Jesu akati anzwa izvi, akati kuna Jairosi, “Usatya; tenda chete, uye achaporeswa.”

51. Akati asvika kumba kwaJairosi, haana kutendera ani zvake kuti apinde naye kunze kwaPetro, Johani naJakobho, uye baba namai vomwana.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 8