Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 8:24-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi, tava kunyura!”Ipapo akamuka akarayira mhepo namafungu emvura zhinji, dutu rikaserera, uye kukadzikama kwazvo.

25. Akabvunza vadzidzi vake akati, “Kutenda kwenyu kuripiko?”Mukutya kwavo uye nokushamiswa kwavo, vakabvunzana pakati pavo vachiti, “Ndianiko uyu? Anorayira kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.”

26. Vakasvika kunyika yavaGerasa, iri mhiri kwegungwa reGarirea.

27. Jesu akati ayambuka gungwa, akasangana nomunhu akanga akabatwa nedhimoni achibva muguta. Munhu uyu akanga asingapfeki nguo kwenguva refu kana kugara mumba, asi aigara kumakuva.

28. Akati aona Jesu, akadanidzira uye akawira pamakumbo ake, akati nenzwi guru, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, regai kunditambudza!”

29. Nokuti Jesu akanga arayira mweya wakaipa kuti ubude maari. Kazhinji waimubata, uye kunyange akange akasungwa nengetani mumaoko nomumakumbo uye akarindwa, aidambura ngetani uye oendeswa nedhimoni kurenje.

30. Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?”Akapindura akati, “Regioni” nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari.

31. Uye akaramba achimunyengetedza kuti arege kuarayira kuti aende kwakadzika.

32. Pakanga pane boka guru renguruve raifura mujinga mechikomo. Madhimoni akakumbirisa Jesu kuti aabvumire kupinda madziri, akaatendera.

33. Madhimoni akati abuda mumunhu uyo akandopinda munguruve, uye boka renguruve rakamhanyira kumawere kugungwa rikanyuramo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 8