Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 8:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba nomumaguta memisha, achiparidza vhangeri roumambo hwaMwari. Vane gumi navavari vakanga vanaye,

2. uye vamwewo vakadzi vakanga vaporeswa pazvirwere nemweya yakaipa vaiti: Maria (ainzi Magadharina) uya akanga abudiswa mweya yakaipa, minomwe maari,

3. Joana mukadzi waKuza, mutariri weimba yaHerodhi Suzana, navamwe vazhinji. Vakadzi ava vaivabatsira nokuvatsigira nezvavaiva nazvo.

4. Ungano huru yakati yakaungana uye vanhu vakanga vachibva kumaguta namaguta vakauya kuna Jesu, ipapo akavataurira mufananidzo uyu:

5. “Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, imwe yakawira munzira, ikatsikwa-tsikwa uye shiri dzedenga dzikaidya.

6. Imwe yakawira parukangarahwe, uye payakamera, yakasvava nokuti pakanga pasina unyoro.

7. Imwe mbeu yakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura pamwe chete nayo ikavhunga.

8. Asi imwe mbeu yakawira pavhu rakanaka. Yakamera ikabereka zvibereko, zvakapetwa kazana pane zvakanga zvadyarwa.”Akati ataura izvi, akadanidzira akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

9. Vadzidzi vake vakamubvunza kuti mufananidzo uyu wairevei.

10. Iye akati, “Kuziva zvakavanzika zvoumambo hwaMwari kwakapiwa kwamuri, asi kuna vamwe, ndinotaura nomufananidzo kuitira kuti,“ ‘kunyange vachitarira, varege kuona;kunyange vachinzwa, varege kunzwisisa.’

11. “Izvi ndizvo zvinoreva mufananidzo: Mbeu ndiro shoko raMwari.

12. Dziya dzakawira munzira ndivo vaya vanonzwa, ipapo dhiabhori anouya uye agovatorera shoko pamwoyo yavo, kuitira kuti varege kutenda vagoponeswa.

13. Dziya dzakawira parukangarahwe, ndivo vaya vanogamuchira shoko nomufaro kana varinzwa, asi havana mudzi. Vanongotenda kwechinguva, asi munguva dzokuedzwa vanowira pasi.

14. Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko.

15. Asi mbeu yapavhu rakanaka inomirira vaya vane mwoyo yakatendeka uye yakanaka, vanonzwa shoko, vorichengeta, uye nokuda kwokutsungirira kwavo vanobereka zvibereko.

16. “Hakuna munhu anotungidza mwenje obva auvanza pasi pedengu kana kuuisa pasi pomubhedha. Asi, anouisa pamusoro pechigadziko, kuitira kuti vose vanopinda vavhenekerwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 8