Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 7:9-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa kwazvo naye, akatendeukira kuvanhu vazhinji vaimutevera akati, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai kunyange muIsraeri.”

10. Ipapo varume vaya vakanga vatumwa vakadzokera kumba vakawana muranda uya apora.

11. Pasina kupera nguva refu, Jesu akaenda kuguta rainzi Naini, uye vadzidzi vake navanhu vazhinji kwazvo vakaendawo naye.

12. Kuzoti ave kuswedera pasuwo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo.

13. Ishe akati achimuona, mwoyo wake wakamunzwira tsitsi, akati kwavari, “Musachema.”

14. Ipapo akaswederako akabata hwanyanza, uye vaya vakanga vakamutakura vakamira. Iye akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!”

15. Munhu uya akanga afa akamuka akagara akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna mai vake.

16. Vose vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari. Vakati, “Muprofita mukuru amuka pakati pedu. Mwari auya kuzobatsira vanhu vake.”

17. Shoko iri pamusoro paJesu rakapararira muJudhea yose nenyika dzose dzakapoteredza.

18. Vadzidzi vaJohani vakamuudza pamusoro pezvinhu izvi zvose. Akadana vaviri vavo,

19. akavatuma kuna She kuti vandobvunza kuti, “Ndimi here iye aifanira kuuya kana kuti tomirira mumwewo?”

20. Varume ava vakati vasvika kuna Jesu, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatituma kwamuri kuti tizobvunza kuti, ‘Ndimi here mainzi muchauya, kana kuti timirire mumwewo?’ ”

21. Panguva iyoyo Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere, hosha nemweya yakaipa uye akasvinudza vazhinji vakanga vari mapofu.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 7