Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 6:7-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata.

8. Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo.

9. Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?”

10. Akatarisa kwavari vose, ipapo akati kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukavandudzwa kwazvo.

11. Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu.

12. Nerimwe ramazuva iwayo, Jesu akabuda akaenda kugomo kuti andonyengetera, uye akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari.

13. Fume mangwana, akadana vadzidzi vake akasarudza gumi navaviri pakati pavo, avo vaakatumidza kuti vapostori:

14. Simoni (uyo waakatumidza kuti Petro), munun'una wake Andirea, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeo,

15. Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Simoni ainzi muZeroti,

16. Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki.

17. Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye vanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni,

18. vakanga vauya kuzomunzwa uye kuti vazoporeswa pahosha dzavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa,

19. uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari uye richivaporesa vose.

20. Akatarira kuvadzidzi vake, akati:“Makaropafadzwa imi varombo,nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.

21. Makaropafadzwa imi vane nzara zvino,nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi vanochema zvino, nokuti muchaseka.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 6