Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 6:23-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.

24. “Asi mune nhamo imi vapfumi,nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.

25. Mune nhamo imi makaguta zvino,nokuti muchanzwa nzara.Mune nhamo imi vanoseka zvino,Nokuti muchaungudza uye muchachema.

26. Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu,nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.

27. “Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai,

28. ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.

29. Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati.

30. Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.

31. Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.

32. “Kana uchida vaya vanokuda, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange navatadzi vanoda avo vanovada.

33. Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo.

34. Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana.

35. Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana voWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.

36. Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 6