Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 6:18-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. vakanga vauya kuzomunzwa uye kuti vazoporeswa pahosha dzavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa,

19. uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari uye richivaporesa vose.

20. Akatarira kuvadzidzi vake, akati:“Makaropafadzwa imi varombo,nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.

21. Makaropafadzwa imi vane nzara zvino,nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi vanochema zvino, nokuti muchaseka.

22. Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai,vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu serakaipa,nokuda kwoMwanakomana woMunhu.

23. “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.

24. “Asi mune nhamo imi vapfumi,nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.

25. Mune nhamo imi makaguta zvino,nokuti muchanzwa nzara.Mune nhamo imi vanoseka zvino,Nokuti muchaungudza uye muchachema.

26. Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu,nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.

27. “Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai,

28. ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.

29. Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati.

30. Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.

31. Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 6