Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 5:6-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye utava hwavo hukatanga kubvaruka.

7. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune imwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura.

8. Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!”

9. Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata,

10. uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo.Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.”

11. Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera,

12. Jesu akati achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Iye akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida imi, munogona kundinatsa.”

13. Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uyu akati, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari.

14. Ipapo Jesu akamurayira akati, “Usaudza munhu, asi enda undozviratidza kumuprista ugopa zvibayiro zvakarayirwa naMozisi zvokunatswa kwako, chive chapupu kwavari.”

15. Asi mukurumbira wake wakapararira kwazvo, zvokuti vanhu vazhinji zhinji vakauya kuzomunzwa uye kuti vaporeswe zvirwere zvavo.

16. Asi Jesu kazhinji aizvitsaura achienda kusina vanhu kuti andonyengetera.

17. Rimwe zuva paaidzidzisa, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro, vakanga vabva mumisha yose yeGarirea neJudhea uye neJerusarema, vakanga vagerepo. Uye simba raShe rakanga riripo kuti aporese vanorwara.

18. Vamwe varume vakasvika vakatakura murume akanga akaoma mutezo parukukwe vakaedza kuti vamupinze mumba kuti vandomuradzika pamberi paJesu.

19. Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfuriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo.

20. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati, “Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa.”

21. VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko munhu uyu anotaura achimhura Mwari. Ndianiko anoregerera zvivi kunze kwaMwari chete?”

22. Jesu aiziva zvavaifunga uye akabvunza achiti, “Seiko muchifunga zvinhu izvi mumwoyo yenyu?

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 5