Jesu akati achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Iye akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida imi, munogona kundinatsa.”