Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 5:33-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Ivo vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji uye vachinyengetera, uye vadzidzi vavaFarisi vanodarowo, asi venyu vanoramba vachidya nokunwa.”

34. Jesu akavapindura akati, “Hamungagoni kuita kuti shamwari dzechikomba dzitsanye iye achinavo.

35. Asi nguva ichauya apo chikomba chichabviswa kwavari; mumazuva iwayo vachatsanya.”

36. Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Hakuna munhu anobvarura chigamba kubva panguo itsva achichisonera panguo tsaru. Kana akadaro, anenge abvarura nguo itsva, uye chigamba chinobva panguo itsva hachibatsiri panguo tsaru.

37. Uye hakuna anodira waini itsva muguchu ramatehwe matsaru. Kana akadaro, waini itsva ichatsemura matehwe, waini itsva ichateuka uye maguchu ewaini achaparadzwa.

38. Kwete, waini itsva inofanira kudirwa mumaguchi amatehwe matsva.

39. Uye hakuna munhu anoti ambonwa waini tsaru ozoda waini itsva, nokuti anoti, ‘Tsaru iri nani.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 5