Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 5:2-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka usvasvi hwavo.

3. Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa.

4. Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.”

5. Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu usvasvi.”

6. Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye utava hwavo hukatanga kubvaruka.

7. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune imwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura.

8. Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!”

9. Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata,

10. uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo.Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.”

11. Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera,

12. Jesu akati achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Iye akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida imi, munogona kundinatsa.”

13. Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uyu akati, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari.

14. Ipapo Jesu akamurayira akati, “Usaudza munhu, asi enda undozviratidza kumuprista ugopa zvibayiro zvakarayirwa naMozisi zvokunatswa kwako, chive chapupu kwavari.”

15. Asi mukurumbira wake wakapararira kwazvo, zvokuti vanhu vazhinji zhinji vakauya kuzomunzwa uye kuti vaporeswe zvirwere zvavo.

16. Asi Jesu kazhinji aizvitsaura achienda kusina vanhu kuti andonyengetera.

17. Rimwe zuva paaidzidzisa, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro, vakanga vabva mumisha yose yeGarirea neJudhea uye neJerusarema, vakanga vagerepo. Uye simba raShe rakanga riripo kuti aporese vanorwara.

18. Vamwe varume vakasvika vakatakura murume akanga akaoma mutezo parukukwe vakaedza kuti vamupinze mumba kuti vandomuradzika pamberi paJesu.

19. Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfuriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 5