Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 3:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Vanhu vakanga vakamirira vakatarisira, uye vose vakanga vachikahadzika mumwoyo mavo kuti zvimwe Johani akanga ari iye Kristu.

16. Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura, ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.

17. Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.”

18. Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 3