Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 24:29-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo.

30. Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa.

31. Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo.

32. Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?”

33. Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane gumi nomumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete

34. uye vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.”

35. Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa.

36. Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.”

37. Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya.

38. Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu?

39. Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.”

40. Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake.

41. Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?”

42. Vakamupa chimedu chehove yakagochwa,

43. uye akatora akaidya pamberi pavo.

44. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 24