Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 24:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema.

14. Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.

15. Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo;

16. asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva.

17. Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?”Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa.

18. Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?”

19. Jesu akati, “Zveiko?”Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose.

20. Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa;

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 24