Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 24:12-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.

13. Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema.

14. Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.

15. Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo;

16. asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva.

17. Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?”Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa.

18. Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?”

19. Jesu akati, “Zveiko?”Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose.

20. Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa;

21. asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika.

22. Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza

23. asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 24