Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 22:9-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko?”

10. Iye akapindura akati, “Pamunopinda muguta, muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iyeye kuimba yaanosvikopinda,

11. mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’

12. Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.”

13. Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo.

14. Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura.

15. Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika.

16. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”

17. Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu.

18. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”

19. Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.”

20. Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 22