Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 22:61-71 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

61. Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”

62. Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.

63. Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka nokumurova.

64. Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?”

65. uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka.

66. Kuzoti kwaedza dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, uye Jesu akamiswa pamberi pavo.

67. Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.”Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi,

68. uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.

69. Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.”

70. Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?”Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.”

71. Ipapo vakati, “Tichadazve humwe uchapupu here? Tazvinzwa zvabva mumuromo make.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 22