Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 22:58-61 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

58. Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.”Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”

59. Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”

60. Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira.

61. Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 22