Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 22:50-67 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

50. Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi.

51. Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa.

52. Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo?

53. Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.”

54. Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure.

55. Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo.

56. Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunan'anidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.”

57. Asi iye akaramba izvozvo uye akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.”

58. Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.”Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”

59. Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”

60. Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira.

61. Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”

62. Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.

63. Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka nokumurova.

64. Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?”

65. uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka.

66. Kuzoti kwaedza dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, uye Jesu akamiswa pamberi pavo.

67. Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.”Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi,

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 22