Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 22:27-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda.

28. Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu.

29. Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo,

30. kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri.

31. “Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi.

32. Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti rutendo rwako rurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.”

33. Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.”

34. Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.”

35. Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?”Ivo vakati, “Hapana.”

36. Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga.

37. Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadziswa.”

38. Vadzidzi vakati, “Tarirai, Ishe, heyi minondo miviri.”Akapindura akati, “Zvaringana.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 22