Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 22:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”

17. Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu.

18. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”

19. Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.”

20. Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi.

21. Asi ruoko rwaiye achandipandukira runeni patafura.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 22