Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 22:11-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’

12. Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.”

13. Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo.

14. Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura.

15. Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika.

16. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”

17. Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu.

18. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”

19. Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.”

20. Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi.

21. Asi ruoko rwaiye achandipandukira runeni patafura.

22. Mwanakomana woMunhu achaenda sezvazvakatemwa, asi ane nhamo munhu uyo anomupandukira.”

23. Vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti angava ani pavari angaita chinhu ichi.

24. Uyewo nharo dzakamuka pakati pavo dzokuti ndiani wavo aifungidzirwa kuti angava mukuru wavose.

25. Jesu akati kwavari, “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri.

26. Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda.

27. Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda.

28. Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 22