Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 20:5-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ iye achati, ‘Seiko musina kumutenda?’

6. Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe, nokuti vanotenda kuti Johani akanga ari muprofita.”

7. Saka ivo vakazoti, “Hatizivi kuti rwakabvepi.”

8. Jesu akati, “Neniwo handichakuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.”

9. Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu.

10. Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu.

11. Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu.

12. Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze.

13. “Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’

14. “Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’

15. Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya.“Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari?

16. Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.” Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 20