Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 20:44-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

44. Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?”

45. Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake,

46. “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.

47. Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye kuti vaonekwe, vanoita minyengetero mirefu, Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 20