Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 20:39-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!”

40. Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo.

41. Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?

42. Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti:“ ‘Ishe akati kuna She wangu:Gara kuruoko rwangu rworudyi

43. kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’

44. Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?”

45. Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake,

46. “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 20