Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 20:32-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Pakupedzisira, mukadzi akafawo.

33. Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?”

34. Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa.

35. Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa,

36. uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa.

37. Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’

38. Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.”

39. Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!”

40. Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo.

41. Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?

42. Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti:“ ‘Ishe akati kuna She wangu:Gara kuruoko rwangu rworudyi

43. kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’

44. Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?”

45. Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake,

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 20