Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 2:41-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusarema kuMutambo wePasika.

42. Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwira naye kuMutambo, maererano netsika yavo.

43. Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi.

44. Vakafamba kwezuva rose vachifunga kuti akanga ari pakati pavo. Ipapo vakatanga kumutsvaka pakati pehama neshamwari dzavo.

45. Vakati vamushayiwa, vakadzokera kuJerusarema kundomutsvaka.

46. Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera nokuvabvunza mibvunzo.

47. Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 2