Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 2:35-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.”

36. Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake,

37. ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera.

38. Akasvika pavari panguva iyoyo, akavonga Mwari uye akataura pamusoro pomwana kuna vose vakanga vakamirira kudzikinurwa kweJerusarema.

39. Josefa naMaria vakati vaita zvose zvaidikanwa noMurayiro waShe, vakadzokera kuGarirea kuguta ravo reNazareta.

40. Uye mwana akakura akasimba; akanga azere nouchenjeri, uye nyasha dzaMwari dzaiva pamusoro pake.

41. Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusarema kuMutambo wePasika.

42. Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwira naye kuMutambo, maererano netsika yavo.

43. Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi.

44. Vakafamba kwezuva rose vachifunga kuti akanga ari pakati pavo. Ipapo vakatanga kumutsvaka pakati pehama neshamwari dzavo.

45. Vakati vamushayiwa, vakadzokera kuJerusarema kundomutsvaka.

46. Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera nokuvabvunza mibvunzo.

47. Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake.

48. Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.”

49. Iye akati, Manga muchinditsvakireiko? “Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?”

50. Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.

51. Ipapo akaburuka navo kuNazareta uye akavateerera. Asi mai vake vakachengeta zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo.

52. Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, uye achidiwa naMwari uye navanhu.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 2