Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 2:29-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa,zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare.

30. Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,

31. rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose,

32. chiedza chinovhenekera vaHedheniuye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.”

33. Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake.

34. Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa,

35. kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.”

36. Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake,

37. ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera.

38. Akasvika pavari panguva iyoyo, akavonga Mwari uye akataura pamusoro pomwana kuna vose vakanga vakamirira kudzikinurwa kweJerusarema.

39. Josefa naMaria vakati vaita zvose zvaidikanwa noMurayiro waShe, vakadzokera kuGarirea kuguta ravo reNazareta.

40. Uye mwana akakura akasimba; akanga azere nouchenjeri, uye nyasha dzaMwari dzaiva pamusoro pake.

41. Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusarema kuMutambo wePasika.

42. Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwira naye kuMutambo, maererano netsika yavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 2