Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 19:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo.

2. Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo.

3. Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji.

4. Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo.

5. Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kundogara mumba mako nhasi.”

6. Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro.

7. Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugunun'una vachiti, “Aenda kundova mueni wo‘mutadzi.’ ”

8. Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.”

9. Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 19