Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 14:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achicherechedzwa kwazvo paakanga aenda kundodya mumba momumwe muFarisi akanga achikudzwa kwazvo.

2. Pamberi pake ipapo pakanga pane munhu akanga ane chirwere chorukandwe.

3. Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?”

4. Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 14