Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 11:5-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ipapo akati kwavari, “Kana mumwe wenyu ane shamwari, uye akaenda kwaari pakati pousiku akati, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu,

6. nokuti shamwari yangu iri parwendo yasvika kwangu, uye ini handina chandingamupa.’

7. “Ipapo uya ari mukati akati, ‘Rega kundinetsa. Mukova wangu watopfigwa, uye vana vangu neni tavata. Handikwanisi kumuka kuti ndikupe kana chinhu.’

8. Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushinga kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda.

9. “Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai uye muchapiwa, tsvakai uye muchawana; gogodzai uye muchazarurirwa mukova.

10. Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza, achazarurirwa mukova.

11. “Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove?

12. Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here?

13. Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!”

14. Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo.

15. Asi vamwe vavo vakati, “Anodzinga dhimoni naBheerizebhubhi, muchinda mukuru wamadhimoni.”

16. Vamwewo vakamuedza nokumukumbira chiratidzo.

17. Jesu akaziva ndangariro dzavo uye akati kwavari, “Umambo hupi zvahwo hunozvipesanisa huchaparadzwa, uye imba inozvipesanisa ichawa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 11