Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 10:34-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta.

35. Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’

36. “Ndianiko pavanhu vatatu ava waunofunga kuti akanga ari muvakidzani kuna iye akawira mumaoko amakororo?”

37. Mududziri womurayiro akati, “Uyo akamunzwira tsitsi.”Jesu akati kwaari, “Enda undoita saizvozvo.”

38. Jesu navadzidzi vake pavakanga vachifamba, vakasvika pano mumwe musha; mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba make.

39. Akanga ano munun'una wake ainzi Maria, uyo akagara patsoka dzaShe achiteerera kune zvaakanga achitaura.

40. Asi Marita akatadziswa kuteerera nokuda kwokugadzirira kwose kwaifanira kuitwa. Akauya kwaari akati, “Ishe hamuna hanya here kuti munun'una wangu andisiya ndichingoshanda ndoga? Muudzei kuti andibatsirewo!”

41. Ishe akapindura akati, “Marita, Marita, uri kufunganya nokugumburwa pamusoro pezvinhu zvizhinji,

42. asi pane chinhu chimwe chete chinodikanwa. Maria asarudza chinhu chiri nani, uye haazochitorerwi.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 10