Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 10:25-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?”

26. Iye akapindura akati, “Pamurayiro pakanyorweiko? Unouverenga seiko?”

27. Akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ ”

28. Jesu akapindura akati, “Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama.”

29. Asi iye akanga achida kuzviruramisa, saka akabvunza Jesu akati, “Muvakidzani wangu ndianiko?”

30. Jesu akapindura akati, “Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa.

31. Zvakaitika kuti mumwe muprista akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona munhu uyo, akamunyenyeredza.

32. Saizvozvowo, muRevhi, akati asvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo.

33. Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano munhu; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi.

34. Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta.

35. Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’

36. “Ndianiko pavanhu vatatu ava waunofunga kuti akanga ari muvakidzani kuna iye akawira mumaoko amakororo?”

37. Mududziri womurayiro akati, “Uyo akamunzwira tsitsi.”Jesu akati kwaari, “Enda undoita saizvozvo.”

38. Jesu navadzidzi vake pavakanga vachifamba, vakasvika pano mumwe musha; mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba make.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 10