Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 1:69-80 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

69. Iye akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi,

70. sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare,

71. iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu naparuoko rwavose vanotivenga,

72. kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene,

73. mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama:

74. kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu,uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi,

75. muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.

76. “Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita woWokumusoro-soro;nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira,

77. kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo,

78. nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu,naye zuva richatibudira richibva kudenga,

79. kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri worufu,uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.”

80. Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 1