Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 1:65-70 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

65. Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose.

66. Munhu wose akazvinzwa akashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye.

67. Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti:

68. “Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe,nokuti akauya akadzikinura vanhu vake.

69. Iye akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi,

70. sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare,

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 1