Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 1:3-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa,

4. kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.

5. Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni.

6. Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa.

7. Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki; uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo.

8. Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake uye achibata somuprista pamberi paMwari,

9. akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuwira mutemberi yaShe.

10. Uye nguva yokupisa zvinonhuwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera.

11. Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuwira.

12. Zekaria akati achimuona, akavhunduka uye akabatwa nokutya.

13. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani.

14. Iye achava mufaro nokufarisisa kwamuri, uye vazhinji vachafara nokuda kwokuberekwa kwake,

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 1