Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 1:27-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. kumhandara yakanga yatsidzira kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria.

28. Mutumwa akasvika kwaari akati, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe.”

29. Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii.

30. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari.

31. Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu.

32. Iye achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi,

33. uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.”

34. Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?”

35. Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba roWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.

36. Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki.

37. Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.”

38. Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari.

39. Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea,

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 1