Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 1:22-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Akati abuda, akasagona kutaura navo. Vakazviona kuti akanga aona chiratidzo mutemberi, nokuti akaramba achitaura navo namaoko, uye akaramba ari chimumumu asingagoni kutaura.

23. Nguva yokushumira kwake yakati yapera, akadzokera kumba kwake.

24. Shure kwaizvozvo, mukadzi wake Erizabheti akava nemimba uye akaramba akazvivanza kwemwedzi mishanu.

25. Akati mumwoyo make, “Ishe andiitira izvi. Mumazuva ano akaratidza nyasha dzake uye akabvisa kunyadziswa kwangu pakati pavanhu.”

26. Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea,

27. kumhandara yakanga yatsidzira kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria.

28. Mutumwa akasvika kwaari akati, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe.”

29. Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii.

30. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari.

31. Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu.

32. Iye achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi,

33. uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.”

34. Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?”

35. Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba roWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.

36. Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki.

37. Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 1