Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 9:25-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda uye akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka.

26. Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose.

27. Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”

28. Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.”

29. Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.”

30. Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Musawana wamunoudza pamusoro paizvozvi.”

31. Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri.

32. Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu.

33. Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, “Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri.”

34. Asi vaFarisi vakati, “Anodzinga madhimoni nomukuru wamadhimoni.”

35. Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose.

36. Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vaishushwa uye vakanga vasina simba, vakaita samakwai asina mufudzi.

37. Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vashandi vashoma.

38. Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 9