Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 4:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori.

2. Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna namakumi mana, akanzwa nzara.

3. Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.”

4. Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”

5. Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati,

6. “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“Acharayira vatumwa vake pamusoropako uye vachakusimudza namaokoavo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.”

7. Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”

8. Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo,

9. akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.”

10. Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ”

11. Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.

12. Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 4