Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 26:64-75 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

64. Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamataura. Asi ndinoti kwamuri mose: Munguva inouya muchaona Mwanakomana woMunhu agere kurudyi rwaSamasimba uye achiuya ari mumakore okudenga.”

65. Ipapo muprista mukuru akabvarura nguo dzake akati, “Ataura zvinomhura. Tichagodirei zvimwe zvapupu? Tarirai, zvino manzwa kumhura kwake.

66. Munofungei nazvo?”Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa!”

67. Ipapo vakamusvipira mate kumeso uye vakamurova netsiva. Vamwe vakamurova nembama

68. uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?”

69. Zvino Petro akanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, “Newewo wakanga una Jesu weGarirea.”

70. Asi akaramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura nezvazvo.”

71. Ipapo akabuda akandomira pasuo apo paakaonekwa nomumwe musikana uyo akati kuvanhu vose vaivapo, “Munhu uyu akanga ana Jesu weNazareta.”

72. Akarambazve, akapika achiti, “Murume uyu handimuzivi!”

73. Mushure mechinguva, vaya vakanga vamirepo vakaenda kuna Petro vakasvikoti, “Zvechokwadi uri mumwe wavo nokuda kwamatauriro ako.”

74. Ipapo akatanga kuzvituka uye akapika kwavari achiti, “Murume uyu handimuzivi!”Pakarepo jongwe rakarira.

75. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa naJesu rokuti: “Jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 26