Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 21:9-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!” “Hosana kumusoro-soro!”

10. Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, “Ndianiko uyu?”

11. Vazhinji vakati, “Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea.”

12. Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva.

13. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ”

14. Mapofu navakaremara vakauya kwaari kutemberi, uye akavaporesa.

15. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,” vakatsamwa.

16. Vakamubvunza vakati, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?”Jesu akavapindura achiti, “Hongu, hamuna kurava here panoti:“ ‘Pamiromo yavana navachechemakaisa rumbidzo’?”

17. Uye akavasiya akabuda muguta umu akaenda kuBhetani kwaakandovata.

18. Mangwanani-ngwanani, paakanga ari munzira achidzokera kuguta, akanzwa nzara.

19. Achiona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, “Ngakurege kuva nemicherozve pauri!” Pakarepo muti uya wakabva wasvava.

20. Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, “Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 21