Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 20:5-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Saka vakaenda.“Akabudazve nenguva dzinenge dzechitanhatu nedzepfumbamwe akaita zvimwe chetezvo.

6. Nenguva inenge yegumi neimwe akabuda akawanazve vamwe vamire. Akavabvunza achiti, ‘Seiko, maswera makangomira pano zuva rose musina chamuri kuita?’

7. “Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’ Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’

8. “Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’

9. “Vashandi vainge vaenda kundoshanda nenguva inenge yegumi neimwe vakauya uye mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhinari.

10. Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari.

11. Vakati vagamuchira mari iyi vakatanga kutsutsumwira muridzi womunda.

12. Vakati, ‘Varume ava vapedzisira vangoshanda awa imwe chete, asi mavaenzanisa nesu tatakura mutoro webasa uye tikapiswa nezuva.’

13. “Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here?

14. Tora mubayiro wako uende. Ndinoda kupa munhu ashanda kwokupedzisira zvakafanana nezvandakupa.

15. Ko, handina kodzero here yokuita zvandinoda nemari yangu? Kana kuti iwe une godo nokuda kwokupa kwangu zvakawanda.’

16. “Saka vokupedzisira vachava vokutanga uye vokutanga vachava vokupedzisira.”

17. Zvino Jesu paakanga achikwira kuJerusarema, akatora vadzidzi vake gumi navaviri parutivi akati kwavari,

18. “Tiri kukwira kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu

19. uye vagomuisa kuvaHedheni kuti asekwe agorohwa uye arovererwe pamuchinjikwa. Pazuva retatu achamutswa kuti ave mupenyu!”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 20